Psalms 69

Kumutungamiri wokuimba namaimbirwo a“Maruva eMahapa.” Pisarema raDhavhidhi.

1Ndiponesei, imi Mwari,
nokuti mvura zhinji yakwira kusvikira pamutsipa wangu.
2Ndinonyura munhope yakadzika,
pasina pangatsika makumbo angu.
Ndapinda mumvura yakadzika;
ndafukidzwa namafashamu.
3Ndaneta nokuridza mhere yokuti ndibatsirwe;
huro dzangu dzaoma,
meso angu aneta
nokumirira Mwari wangu.
4Vanondivenga ndisina mhosva vakawanda
kupfuura bvudzi romusoro wangu;
vanondivenga ndisina mhosva vazhinji, avo vanotsvaka kundiparadza. Ndinomanikidzwa kudzosera zvandisina kuba.

5Munoziva upenzi hwangu, imi Mwari;
mhaka yangu haina kuvanzika kwamuri.

6Vaya vane tariro mamuri
ngavarege kunyadziswa nokuda kwangu,
haiwa Ishe, Jehovha Wamasimba Ose;
vanokutsvakai
ngavarege kunyadziswa nokuda kwangu,
haiwa Mwari waIsraeri.
7Nokuti ndinotsunga kusekwa hangu nokuda kwenyu,
uye nyadzi dzafukidza chiso changu.
8Ndiri mutorwa kuhama dzangu,
nomweni kuvanakomana vamai vangu;
9nokuti kushingairira imba yenyu kwandipedza,
uye kutuka kwaavo vanokutukai kunowira pamusoro pangu.
10Pandinochema uye ndichitsanya,
ndinofanira kushinga pakusekwa;
11pandinofuka nguo dzamasaga,
vanhu vanondiita shumo.
12Vaya vanogara pasuo vanondiseka,
uye ndiri rwiyo rwezvidhakwa.

13Asi ndinonyengetera kwamuri, imi Mwari,
panguva inokufadzai;
murudo rwenyu rukuru, imi Mwari,
ndipindurei noruponeso rwenyu rwechokwadi.
14Ndinunurei mumatope,
musandirega ndichinyura;
ndirwirei kuna vanondivenga,
napamvura zhinji yakadzika.
15Musatendera mvura yamafashamu kuti indifukidze,
kana kwakadzika kuti kundimedze
kana kuti gomba rizarure muromo waro pamusoro pangu.

16Ndipindurei, imi Jehovha, zvichibva pakunaka kworudo rwenyu;
dzokerai henyu kwandiri nokuda kwetsitsi dzenyu huru.
17Regai kuvanzira muranda wenyu chiso chenyu;
ndipindurei nokukurumidza, nokuti ndava mudambudziko.
18Swederai pedyo mundinunure;
ndidzikinurei nokuda kwavavengi vangu.

19Munoziva kusekwa kwangu, kunyadziswa nokusakudzwa kwangu;
vavengi vangu vose vari pamberi penyu.
20Kusekwa kwaputsa mwoyo wangu,
uye kwandisiya ndisisina chingandibatsira;
Ndakatsvaka vangandinzwira ngoni, asi ndakavashaya,
vangandinyaradza, asi ndakavashayazve.
21Vakaisa nduru mune zvokudya zvangu,
uye vakandipa vhiniga pandaiva nenyota.

22Tafura yagadzirwa pamberi pavo ngaive musungo;
ngaive shamhu yokuranga neriva.
23Meso avo ngaapofumadzwe kuti varege kuona,
uye misana yavo iminame nokusingaperi.
24Dururirai hasha dzenyu pamusoro pavo;
kutsamwa kwenyu kunotyisa ngakuvakurire.
25Nzvimbo yavo ngaisiyiwe;
ngaparege kuva nomunhu anogara mumatende avo.
26Nokuti vanotambudza vaya vamakarova,
uye vanotaura pamusoro pokurwadziwa kwavakakuvadzwa nemi.
27Vapei mhosva pamusoro pemhosva;
ngavarege kuva nomugove woruponeso rwenyu.
28Ngavadzimwe mubhuku roupenyu,
uye varege kuverengwa pamwe chete navakarurama.

29Ndiri pakurwadziwa nenhamo;
ruponeso rwenyu imi Mwari, ngarundidzivirire.

30Ndicharumbidza zita raMwari norwiyo,
uye ndichamukudza nokuvonga.
31Izvi zvichafadza Jehovha kukunda nzombe,
kupfuura hando nenyanga dzayo, namahwanda ayo.
32Varombo vachazviona uye vachafara,
imi vanotsvaka Mwari, mwoyo yenyu ngairarame!
33Jehovha anonzwa vanoshayiwa
uye haashori vanhu vake vakatapwa.

34Denga nenyika ngazvimurumbidze,
makungwa nezvose zvinofamba, imomo,
35nokuti Mwari achaponesa Zioni
agovakazve maguta aJudha.
Ipapo vanhu vachagarako, vagoritora;
36Vana vavaranda vake vacharipiwa senhaka,
uye avo vanoda zita rake vachagara ikoko.
Copyright information for SnaBDSC